Chitadzo Onawo Akaipa; Asakarurama; Chinonyangadza, Chinyangadzo; Hupanduki; Hutsvina; Kushaya huMwari; Tadzira Kusateerera maune kumirairo yaMwari. Uyo achavanza zvitadzo zvake haazobudirira, Zir. 28:13. Kana dai zvitadzo zvenyu zvakatsvuka, zvichachena sechando, Isa. 1:18. Vatadzi vachafa, vakarurama vachaponeswa, Ezk. 18. Gwayana raMwari rinotora zvitadzo zvenyika, Joh. 1:29. Bhabhatidzwai, musukwe kubvisa zvitadzo zvenyu, Mabasa 22:16. Mubairo wechitadzo rufu, VaR. 6:23. Kune uyo anoziva kuita zvakanaka, asingazviite, kwaari chitadzo, Jkb. 4:17. Mungandiite here kuti ndive ndinobvunda pakuonekwa kwechitadzo, 2 Ni. 4:31. Nhamo kune avo vose vanofa vari muzvitadzo zvavo, 2 Ni. 9:38. Havaikwanisa kutarisa chitadzo kunze kwekunge vaine ruvengo rukuru, Aru. 13:12. Musafungidzire kuti muchadzorerwa kubva muchitadzo kuenda mukufara, Aru. 41:9–10. Ishe haatarise pachitadzo aine tarisiro yekuchibvumira, Aru. 45:16 (D&Z 1:31). Vana vadiki havakwanise kuita chivi, Moro. 8:8. Kutendeuka, vanhu vakafanira kureurura nokusiya zvitadzo zvavo, D&Z 58:42–43. Chitadzo chikuru chinosara muna iye asingaregerere, D&Z 64:9. Uyo anotadzira chiedza chikuru achagashira kuraswa kukuru, D&Z 82:3. Kune uyo mweya unotadza zvitadzo zvakare zvichadzokera, D&Z 82:7. Kana tikaita zvekuvanza zvivi zvedu, matenga anodududza, D&Z 121:37.