Shoko raMwari Onawo Magwaro Matsvene; Mirairo yaMwari; Zvakazarurwa Rairo, mirairo, kana mazwi anobva kunaMwari. Vana vaMwari vangangogashira shoko ravo kubva kwavari nokuratidzwa kuburikidza neMweya kana kubva kune varanda vavo vakasarudzwa (D&Z 1:38). Neshoko rose rinobuda mumuromo waIshe munhu anorarama, Deut. 8:3 (Mat. 4:4; D&Z 84:43–44). Shoko renyu mwenje kutsoka dzangu, nechiedza kunzira yangu, Mpi. 119:105. Vakanga vazadzwa vose neMweya Mutsvene vakataura shoko raMwari nokusatya, Mabasa 4:31–33. Tsvimbo yesimbi raive shoko raMwari iro raienda kumuti weupenyu, 1 Ni. 11:25 (1 Ni. 15:23–25). Makanga mapfuura pekunzwa, kuti mutadze kunzwa mashoko ake, 1 Ni. 17:45–46. Nhamo kune uyo anoramba shoko raMwari! 2 Ni. 27:14 (2 Ni. 28:29; Eta 4:8). Saidzirai mberi muchinakirwa pamusoro peshoko raKristu, 2 Ni. 31:20 (2 Ni. 32:3). Pamusana pekusadaira kwavo havaikwanisa kunzwisisa shoko raMwari, Mosaya 26:3 (Aru. 12:10). Vakanga vanzvera magwaro matsvene zvine simba, kuti vazive shoko raMwari, Aru. 17:2. Edzai simba reshoko raMwari, Aru. 31:5. Aruma akaenzanisa shoko raMwari nemhodzi, Aru. 32:28–43. Chose zvacho chavachataura vafemerwa neMweya Mutsvene zvinenge zviri shoko raIshe, D&Z 68:4. Raramai neshoko rose rinobuda mumuromo maMwari, D&Z 84:44–45. Ani zvake achachengetedza shoko rangu haazonyengedzwa, JS—Mat. 1:37.