Kunzwisisa Onawo Chokwadi; Ruzivo; Ungwaru Kuwana ruzivo rwechokwadi kana kuona zvinoreva chimwe chokwadi, kusanganisa mashandisirwe muupenyu. Musazembere mukunzwisisa kwenyu pachenyu, Zir. 3:5. Mukuwana kwenyu kwose, wanai kunzwisisa, Zir. 4:7. Jesu aitaura nemifananidzo uye vamwe vakanga vasinganzwisise, Mat. 13:12–17. Ishe vakazurura kunzwisisa kwavo, Ruka 24:45. Kana musingagone kunzwisisa mazwi aya, zvinenge zvichikonzerwa nekusabvunza kwenyu, 2 Ni. 32:4 (3 Ni. 17:3). Zvinyorwa zvakachengetedzwa kuti tigoverenga tigonzwisisa, Mosaya 1:2–5. Pamusana pekusatenda kwavo, havaikwanisa kunzwisisa shoko raMwari, Mosaya 26:3. Vaive varume vaive nekunzwisisa kwakakwana, Aru. 17:2–3. Shoko rave kutanga kujekesa kunzwisisa kwangu, Aru. 32:28. Ngatiise pfungwa pamwechete kuti munzwisise, D&Z 50:10–12, 19–23. Vabereki vanofanira kudzidzisa vana vavo kuti vanzwisise, D&Z 68:25. Mabasa nezvakavanzika zvaMwari zvinogona kunzwisisika chete neMweya Mutsvene, D&Z 76:114–116. Satani anotsvaka kupindura mwoyo yevanhu kubva mukunzwisisa, D&Z 78:10. Chiedza chaKristu chinomutsiridza kunzwisisa kwedu, D&Z 88:11.