Murombo Onawo Akazvininipisa; Kupa zvipo; Kutsanya; Mupiro; Ruyamuro Mumagwaro matsvene, murombo zvinogona kureva (1) vanhu vasina zvinhu zvinodiwa, zvakafanana nezvekudya, nhumbi dzekupfeka, nepekugara, kana (2) vanhu vakazvininipisa vasina rudado. Varombo muzvinhu Usazopfumbata ruoko rwako kuhama yako murombo, Deut. 15:7. Akaipa murudado rwake anotambudza varombo, Mpi. 10:2. Uyo anopa kuvarombo haazoshaya, Zir. 28:27. Unzai varombo kumba kwenyu, Isa. 58:6–7. Kana muchida kuve vakakwana, ipai kuvarombo, Mat. 19:21 (Marko 10:21; Ruka 18:22). Ko Mwari havana kusarudza varombo vepasi pano here? Jkb. 2:5. Pamusana pekuti vakapfuma vanoshora varombo, 2 Ni. 9:30. Kuti muwane kuregererwa kwezvitadzo zvenyu, ipai zvamuinazvo kuvarombo, Mosaya 4:26. Vakapa zvinhu zvavo kuvarombo, Aru. 1:27. Kana mukatandanisa vanoshaya, munamato wenyu hauna chaunoreva, Aru. 34:28. MaNifai aive nezvinhu zvavo zvose pamwechete; pakanga pasina mupfumi kana murombo, 4 Ni. 1:3. Mucharangarira varombo, D&Z 42:30 (D&Z 52:40). Nhamo kuvarombo avo vane mwoyo isina kutyoka, D&Z 56:17–18. Varombo vachauya kusvitsa yeGwayana, D&Z 58:6–11. Bhishopi achatsvaka varombo, D&Z 84:112. Murau wevhangeri unotonga kuchengetwa kwevarombo, D&Z 104:17–18. Makange musina murombo mukati mavo, Mos. 7:18. Murombo mumweya Vakakomborerwa zvizhinji avo vanozvipfavisa vasina kumanikidzwa pamusana peurombo, Aru. 32:4–6, 12–16. Vakakomborerwa varombo mumweya avo vanouya kwandiri, 3 Ni. 12:3 (Mat. 5:3). Varombo nevanyoro vachawana vhangeri richiparidzwa kwavari, D&Z 35:15.