Maria, Amai vaJesu Onawo Jesu Kristu; Josefa, Murume waMaria MuTestamente Itsva, mhandara yakasarudzwa naMwari Baba kuti ive amai veMwanakomana Wavo munyama. Mushure mekuzvarwa kwaJesu, Maria akaita vamwe vana (Marko 6:3). Akanga akavimbiswa naJosefa, Mat. 1:18 (Ruka 1:27). Josefa akaudzwa kuti asarambe Maria kana kumusunungura pachivimbiso, Mat. 1:18–25. Varume vakangwara vakashanyira Maria, Mat. 2:11. Maria naJosefa vakatizira kuEgipita nemwana Jesu, Mat. 2:13–14. Mushure mekufa kwa Herode, mhuri yakadzokera kuNazareta, Mat. 2:19–23. Ngirozi Gabrieri yakamushanyira, Ruka 1:26–38. Akashanyira Erisabete, hama yake, Ruka 1:36, 40–45. Maria akapa rwiyo rwekurumbidza kuna Ishe, Ruka 1:46–55. Maria akaenda kuBetrehema naJosefa, Ruka 2:4–5. Maria akazvara Jesu akamuradza muchidyiro, Ruka 2:7. Vafudzi vakaenda kuBetrehema kunoshanyira mwana Kristu, Ruka 2:16–20. Maria naJosefa vakatora Jesu kutemberi kuJerusarema, Ruka 2:21–38. Maria naJosefa vakaenda naJesu kuPaseka, Ruka 2:41–52. Maria akanga ari pamuchato kuKana, Joh. 2:2–5. Muponesi, ari pamuchinjikwa, akakumbira Johane kuti achingete amai vake, Joh. 19:25–27. Maria akanga aine Vaapositori mushure mekunge Jesu atorwa aenda kudenga, Mabasa 1:14. Maria aive mhandara, yakanaka zvikuru uye akachena kupfuura dzimwe mhandara dzose, 1 Ni. 11:13–20. Amai vaKristu vaizodaidzwa kuti Maria, Mosaya 3:8. Maria ainge ari mhandara, inokosha uye mudziyo wakasarudzwa, Aru. 7:10.