Ibwe Onawo Jesu Kristu; Vhangeri; Zvakazarurwa Mukutaura, Jesu Kristu nevhangeri rake, zvinove ndihwo hwaro hwakasimba nerutsigiro (D&Z 11:24; 33:12–13). Ibwe zvinogona kurevawo zvakazarurwa, zviri izvo zvinoitwa naMwari kuti munhu azive vhangeri rake (Mat. 16:15–18). Ndiye ibwe, basa rake rakakwana, Deut. 32:4. Ishe ndivo ibwe rangu; mavari ndichavimba, â…¡Â Sam. 22:2–3. Ibwe rakachekwa pasina maoko, Dan. 2:34–35. Yakatangirwa pamusoro pebwe, Mat. 7:25 (3 Ni. 14:25). Jesu Kristu ndiro ibwe rakaitwa zvisina maturo, Mabasa 4:10–11. Ibwe iroro raiva Kristu, â… Â VaKori. 10:1–4 (Eks. 17:6). Uyo akavakirwa pabwe anogashira chokwadi, 2 Ni. 28:28. VaJuda vachariramba ibwe [Kristu] pamusoro paro pavaitovakira, Jak. 4:15–17. Pamusoro pebwe reMununuri wedu ndipo patakafanira kuvakira hwaro hwedu, Hir. 5:12. Uyo anovakira padzidziso yaKristu arikuvakira pabwe rake haazopunzika kana mvura yauya, 3 Ni. 11:39–40 (Mat. 7:24–27; 3 Ni. 18:12–13). Murume akachenjera akavakira imba yake pabwe, 3 Ni. 14:24. Kana makavakirwa pabwe rangu, pasi negehena hazvikwanise kukunda, D&Z 6:34. Uyo anovakira pabwe iri haazofe akapunzika, D&Z 50:44. Ndini Mesia, Mambo weZioni, Ibwe reKudenga, Mos. 7:53.