Mwoyo Onawo Kuberekwa naMwari, Kuberekwa Patsva; Mwoyo Wakatyoka Mucherechedzo wepfungwa nechido chemunhu nepanobva zvatinoita nezvatinonzwa. Idai Ishe Mwari venyu nemwoyo wenyu wose, Deut. 6:5 (Deut. 6:3–7; Mat. 22:37; Ruka 10:27; D&Z 59:5). Ishe vakatsvaka munhu aidiwa nemwoyo wavo, â… Â Sam. 13:14. Vanhu vanotarisa chimiro chekunze, asi Ishe vanotarisa mwoyo, â… Â Sam. 16:7. Uyo ane maoko akachena nemwoyo wakachena achakwira kuchikomo chaIshe agoropafadzwa, Mpi. 24:3–5 (2 Ni. 25:16). Sekufunga kunoita munhu mumwoyo make, ndozvaari, Zir. 23:7. Erija achatendeudzira mwoyo yemadzibaba kuvana, uye mwoyo yevana kumadzibaba avo, Mara. 4:5–6 (Ruka 1:17; D&Z 2:2; 110:14–15; 138:47; Nh—JS 1:39). Vakaropafadzwa vakachena mumwoyo, Mat. 5:8 (3 Ni. 12:8). Munhu anotaura kubva mune zvakanaka kana zvakaipa zviri mumwoyo make, Ruka 6:45. Teverai Mwanakomana nemwoyo uzere nezvinangwa, 2 Ni. 31:13. Wakazvarwa here mumweya naMwari uye vakanzwa kupinduka kukuru mumwoyo mako? Aru. 5:14. Ipa semupiro kuna Ishe mwoyo wakatyoka nemweya wakatsiga, 3 Ni. 9:20 (3 Ni. 12:19; Eta 4:15; Moro. 6:2). Ndichakutaurira mupfungwa yako nemumwoyo wako neMweya Mutsvene, D&Z 8:2.