Petro
MuTestamente Itsva, Petro pakutanga aizivikaniwa saSimeoni kana Simoni (Ⅱ Pet. 1:1), Muredzi wehove weBetsaida aigara kuKapenaume nemudzimai wake. Jesu akarapa amai vemukadzi waPetro (Marko 1:29–31). Petro akadaidzwa pamwechete nemunin’ina wake Andrea kuti vave vadzidzi vaJesu Kristu (Mat. 4:18–22; Marko 1:16–18; Ruka 5:1–11). Zita rake rechiArami, Kefasi, zvichireva “muoni” kana “dombo” rakapiwa kwaari naIshe (Joh. 1:40–42; DJS, Joh. 1:42), Nyangwe Testamente itsva ichitaura kumwe kusasimba kwaPetro muzvinhu zvenyama, inotaura kana kuratidzawo kuti akazvikunda uye akaitwa akasimba nerutendo rwake munaJesu Kristu.
Petro akataura kuti Jesu akanga ari Kristu uye Mwanakomana waMwari (Joh. 6:68–69), uye Ishe vakamusarudza kuti abate kiyi dzeumambo hwepano pasi (Mat. 16:13–18). PaGomo reKushandurwa, Petro akaona Muponesi ashanduka naMosesi naEria (Erija) (Mat. 17:1–9).
Petro ndiye aive Muapositori mukuru panguva dzake. Mushure mekufa, kumuka kuvakafa, nokukwira kudenga kweMuponesi, akadaidza Chechi pamwechete akatungamira kudaidzwa kweMuapositori wekutora nzvimbo yaJudasi Iskarioti (Mabasa 1:15–26). Petro naJohane vakarapa murume akanga akaremara kubvira pakuzvara kwake (Mabasa 3:1–16) uye vakasunungurwa zvakashamisa kubva mutirongo (Mabasa 5:11–29; 12:1–19). Paive pamusana pekuparidza kwaPetro kwakaita kuti vhangeri riparidzwe kekutanga kune maJentairi (Mabasa 10–11). Mumazuva ekupedzisira, Petro, ainaJakobo naJohane, vakauya kubva kudenga vakapa Hupirisita hwaMerkizedeki nekiyi dzacho kuna Joseph Smith naOliver Cowdery (D&Z 27:12–13; 128:20).
Rugwaro rwekutanga RwaPetro
Rugwaro rwekutanga rwakanyorwa kubva ku“Babironi” (zvimwe kuRoma) uye rwukatumirwa kuVatendi vaive mave kunzi zvino Asia Minor mushure mekunge Nero achangotanga kupfuvisa maKristu.
Chitsauko 1 chinotaura nezvekunge Kristu ari akanga akagadzwa kare asati avepo kuti azove Mununuri. Zvitsauko 2–3 zvinotsanangura kuti Kristu ndiro dombo guru rakatsigira Chechi, kuti Vatendi vane hupirisita hweushe, nokuti Kristu akaparidzira mweya iri mutirongo. Zvitsauko 4–5 zvinotsanangura kuti sei vhangeri richiparidzirwa vakafa nokuti sei magosa achinzi afudze hwai.
Rugwaro rweChipiri rwaPetro
Chitsauko 1 chinokumbira Vatendi kuti vaite kuti kudaidzwa nokusarudzwa kwavo kuve kwechokwadi. Chitsauko 2 chinoyambira kuchenjerera vadzidzisi venhema. Chitsauko 3 chinotaura nezvemazuva ekupedzisira nokuuya kwaKristu kwechipiri.