Muti weUpenyu Onawo Edeni Muti uri muBindu reEdeni nemuparadiso yaMwari (Gen. 2:9; Zvaka. 2:7). Muhope dzaRihai muti weupenyu unoreva rudo rwaMwari unotsanangura sechipo chikuru-kuru pane zvipo zvose zvaMwari (1 Ni. 8; 11:21–22, 25; 15:36). Makerubi nemunondo unobvira zvinochengeta nzira yemuti weupenyu, Gen. 3:24 (Aru. 12:21–23; 42:2–6). Johane akaona muti weupenyu, uye mashizha acho aive nesimba rekurapa marudzi, Zvaka. 22:2. Rihai akaona muti weupenyu, 1 Ni. 8:10–35. Nephi akaona muti wakaonekwa nababa vake, 1 Ni. 11:8–9. Tsvimbo yesimbi inotungamirira kumuti weupenyu, 1 Ni. 11:25 (1 Ni. 15:22–24). Mukaha unotyisa unotsaura vane utsvina kubva kumuti weupenyu, 1 Ni. 15:28, 36. Zvaifanira kuti kunge kuine muchero wairambidzwa waikwikwidzana nemuti weupenyu, 2 Ni. 2:15. Uyai kuna Ishe mudye muchero wemuti weupenyu, Aru. 5:34, 62. Dai vabereki vedu vekutanga vakanga vadya muti weupenyu, vangadai vakanga vakasuwa zvachose, Aru. 12:26. Kana musingarungi shoko, hamungazombotanha muchero wemuti weupenyu, Aru. 32:40. Ishe vakasima muti weupenyu pakati pebindu, Mos. 3:9 (Abr. 5:9). Ishe vakabvisa Adama mubindu reEdeni potse angangodya muti weupenyu akabva ararama kusvika nariini, Mos. 4:28–31.