Kutya Onawo Hushingi; Ruremekedzo; Rutendo Kutya kunogona kureva zvinhu zviviri: (1) kutya Mwari, kunzwa kuremekedza nokumutya nokuteerera mirairo yavo; (2) kutya munhu, ngozi dzinopfuura, kurwadza, nekuipa kutya zvinhu zvakadaro nekuzvizeza. Kutya Mwari Chokwadi kutya Mwari hakusi munzvimbo ino, Gen. 20:11. Munofanira kutya Ishe Mwari venyu, Deut. 6:13 (Josh. 24:14; â… Â Sam. 12:24). Shandirai Ishe nokutya, Mpi. 2:11. Kutya Mwari ndiko kutanga kweungwaru, Mpi. 111:10. Ityai Ishe mubve kune zvakaipa, Zir. 3:7. Zvichave zvakanaka kwavari vanotya Mwari, Mpa. 8:12. Shandirai ruponeso rwenyu nokutya nokudedera, VaF. 2:12. Ityai Mwari, mupe kubwinya kwavari, Zvaka. 14:7 (D&Z 88:104). Vaporofita vaimutsa vanhu nguva dzose kuti vagare mukutya Ishe, Eno. 1:23. Aruma nevanakomana vaMosaya vakawira pasi, nokutya Ishe kwakauya pavari, Aru. 36:7. Sevenzai ruponeso rwenyu nokutya nokubvunda, Morm. 9:27. Avo vasinganditye, ndichavakanganisa ndokonzera kuti vadedere, D&Z 10:56. Uyo anonditya achatarisira zviratidzo zvekuuya kweMwanakomana weMunhu, D&Z 45:39. Kutya munhu Usatye, nokuti ndinewe, Gen. 26:24 (Isa. 41:10). Ishe vanesu: musavatye, Num. 14:9. Musatye: nokuti avo vanesu vazhinji, â…¡Â Madz. 6:16. Handizotyi chingaitwe nenyama, Mpi. 56:4. Musatya kutuka kwevanhu, Isa. 51:7 (2 Ni. 8:7). Mwari havana kutipa mweya wekutya, â…¡Â Tim. 1:7. Rudo rwakakwana rwunotanda kutya, â… Â Joh. 4:18 (Moro. 8:16). Vanakomana vaHiramani vakanga vasingatye rufu, Aru. 56:46–48. Kutya rufu kunozadza zvipfuva zvevakaipa, Morm. 6:7. Musatye zvingaitwe nemunhu, Moro. 8:16. Hamufanire kunge makatya munhu kupfuura Mwari, D&Z 3:7 (D&Z 30:1, 11; 122:9). Musatye kuita zvakanaka, D&Z 6:33. Ani nani zvake muchechi yangu haafanire kutya, D&Z 10:55. Kana makagadzirira hamuzotya, D&Z 38:30. Zvikamurei kubva mukutya, D&Z 67:10. Ivai munofara, uye musatya, nokuti Ini Ishe ndinemi, D&Z 68:6. Musatye vavengi venyu, D&Z 136:17.