Johane Mubapatidzi Onawo Eria; Hupirisita hwaAroni Mwanakomana waZakaria naErisabete muTestamente Itsva. Johane akatumwa kuti agadziridze vanhu kuti vagashire Mesia (Joh. 1:19–27). Akanga akabata makiyi eHupirisita hwaAroni uye akabhabhatidza Jesu Kristu. Isaya nevamwe vakaporofita nezve basa raJohane, Isa. 40:3 (Mara. 3:1; 1 Ni. 10:7–10; 2 Ni. 31:4). Akaiswa mutirongo akadimurwa musoro, Mat. 14:3–12 (Marko 6:17–29). Gabrieri akataura kuzvarwa kwaJohane nebasa kuna Zakaria, Ruka 1:5–25. Jesu akadzidzisa kuti Johane Mubapatidzi aive muporofita mukuru, Ruka 7:24–28. Akaziva Jesu seMwanakomana waMwari, Joh. 1:29–34. Vadzidzi vaJohane vakave vadzidzi vaJesu, Joh. 1:25–29, 35–42 (Mabasa 1:21–22). Haana kumboita chishamiso, Joh. 10:41. Semunhu akanga amutswa kuvakafa akatumwa kunogadza Joseph Smith naOliver Cowdery kuHupirisita hwaAroni, D&Z 13 (D&Z 27:7–8; Nh—JS 1:68–72). Akagadzwa nengirozi aine mazuva masere ekuberekwa, D&Z 84:28.