Zvibatsiro Zvekudzidza
Manase


Manase

MuTestamente yaKare, mwanakomana mukuru waAsenati naJosefa uyo akatengeswa kuEgipita (Gen. 41:50–51). Iye nemunin’ina wake Efraimi vakanga vari vazukuru vaJakobo (Israeri) asi vakatorwa vakaropafadzwa naye sekunge vanakomana vake chaivo (Gen. 48:1–20).

Rudzi rwaManase

Zvizvarwa zvaManase vaiverengerwa mukati memarudzi aIsraeri (Num. 1:34–35; Josh. 13:29–31). Kuropafadza kwaMosesi rudzi rwaJosefa, urwo rwakapihwawo Efraimi naManase, zvakanyorwa muna Deuteronomio 33:13–17. Nyika yavo yavakapihwa rimwe divi rayo raive rakarerekera kumadokero kweJordani uye pedyo neyaEfraimi. Vaivewo nenyika neche kumabvazuva kweJordani munzvimbo yemafuro akapfuma eBashani neGireadi. Mumazuva ekupedzisira, rudzi rwaManase rwuchayamura rudzi rwaEfraimi mukuunganidza vaIsraeri vakapararira (Deut. 33:13–17). Muporofita wemuBhuku raMormoni Rihai aive chizvarwa chaManase (Aru. 10:3).