Nifai, Mwanakomana waHiramani Onawo Hiramani, Mwanakomana waHiramani; Rihai, muNifai aive Mushumiri Muporofita wechiNifai mukuru nemushumiri ari muBhuku raMormoni. Aive mwanakomana mukuru waHiramani, Hir. 3:21. Akaitwa mutongi mukuru, Hir. 3:37. Iye nemunin’ina wake Rihai vakatendeutsira vazhinji vemaRamani kuvhangeri, Hir. 5:18–19. Akatenderedzwa nemoto akasunungurwa kubva mutirongo, Hir. 5:20–52. Akanamata ari pashongwe yebindu rake, Hir. 7:6–10. Akaburitsa pachena kupondwa kwemutongi mukuru, Hir. 8:25–28; 9:1–38. Akapiwa simba guru naIshe, Hir. 10:3–11. Akakumbira Ishe kuti kuve nenzara uye akakumbira kuti nzara ipere, Hir. 11:3–18.