Ninive Onawo Asiria; Jona MuTestamente yaKare, guta guru reAsiria uye kwemakore anopfuura mazana maviri raive nzvimbo yekutengesa nokutengeserana kumabvazuva kwerwizi rweTigirisi. Rakapunzika panguva yakapunzika kutonga kwemaAsiria, muna 606 Kristu asati azvarwa. Senheribi, mambo weAsiria, aigara muNinive, Ⅱ Madz. 19:36. Jona akatumwa kuti anodaidzira guta ritendeuke, Jona 1:1–2 (Jona 3:1–4). Vanhu veNinive vakatendeuka, Jona 3:5–10. Kristu akashandisa Ninive semufanidzo wekutendeuka kumaJuda, Mat. 12:41.