Zvibatsiro Zvekudzidza
Roti


Roti

MuTestamente yaKare, mwanakomana waHarani uye muzukuru waAbrahama (Gen. 11:27, 31; Abr. 2:4). Harani akafa pamusana penzara yaive muUri (Abr. 2:1). Roti akasiya Uri aina Abrahama naSara uye akafamba navo kuenda kuKanani (Gen. 12:4–5). Roti akasarudza kugara muSodoma. Ishe vakatumira vatumwa kuti vanoyambira Roti kuti atize kubva muSodoma Ishe vasati vaiparadza pamusana pehuipi kwevanhu (Gen. 13:8–13; 19:1, 13, 15); zvisinei, mukadzi waRoti akacheuka akaona kuparadzwa uye akabva ave shongwe yemunyu (Gen. 19:26). Testamente Itsva ine zvinotaura nezvaRoti (Ruka 17:29; Ⅱ Pet. 2:6–7). Upenyu hwake mushure mekuparadzana naAbrahama hunotsanangurwa munaGen. 13, 14, na19.

Dhinda