Mikaeri Onawo Adama; Ngirozi Huru Zita raizivikanwa Adama naro kusati kwave neupenyu hwenyama. Anodaidzwa kuti Ngirozi huru. MuchiHeberu zita iri rinoreva kuti “Akaita saMwari.” Mikaeri, mumwe wemachinda makuru, akauya kuzoyamura Danieri, Dan. 10:13, 21 (D&Z 78:16). Mumazuva ekupedzisira Mikaeri achasimuka, sejinda guru, Dan. 12:1. Mikaeri ngirozi huru akarwisana nadhiabhorosi, Jud. 1:9. Mikaeri nengirozi dzake vakarwisa nyoka yemoto, Zvaka. 12:7 (Dan. 7). Mikaeri ndiAdama, D&Z 27:11 (D&Z 107:53–57; 128:21). Mikaeri, Ngirozi huru yaIshe, acharidza hwamanda yake, D&Z 29:26. Mikaeri achaunganidza mauto ake akarwisa Satani, D&Z 88:112–115. Izwi raMikaeri rakanzwikwa richiburitsa pachena dhiabhorosi, D&Z 128:20.