Zvibatsiro Zvekudzidza
Isakari


Isakari

Mwanakomana waJakobo naRea muTestamente yaKare (Gen. 30:17–18; 35:23; 46:13). Zvizukuru zvake zvakave rumwe rwemarudzi gumi nemaviri aIsraeri.

Rudzi rwaIsakari

Maropafadzo aJakobo kuna Isakari anowanikwa muna Genesi 49:14–15. Mushure mekunge agara muKanani, rudzi urwu rwakagashira imwe yenyika dzakapfuma kwazvo muFiristia, kusanganisa nebani reEsidraroni. Mukati memiganhu yaIsakari makange muine nzvimbo zhinji dzaikosha muupenyu hwemaJuda, semufananidzo, Karmeri, Megido, Dotani, Girboa, Jezreeri, Tabori, neNazareta (Josh. 19:17–23).