Zvibatsiro Zvekudzidza
Mormoni, Muporofita wechiNifai


Mormoni, Muporofita wechiNifai

Muporofita wechiNifai, mukuru wezvehondo, muchengeti wezvinyorwa muBhuku raMormoni. Mormoni akagara zvingaita kubva muna 311 kusvika muna 385 Kristu azvarwa (Morm. 1:2, 6; 6:5–6; 8:2–3). Akanga ari mutungamiri wemauto nguva huru yeupenyu hwake, kutangisa pazera remakore gumi nemashanu (Morm. 2:1–2; 3:8–12; 5:1; 8:2–3). Amaroni akaraira Mormoni kuti azvigadzirire kutora zvinyorwa nokuve muchengeti wazvo (Morm. 1:2–5; 2:17–18). Mushure mekunyora nhoroondo yeupenyu hwake pachake, Mormoni akapfupikisa mahwendefa makuru aNifai pamahwendefa aMormoni. Mushure akazopa zvinyorwa zvinoera izvi kumwanakomana wake Moronai. Mahwendefa aya akanga ari chidimu chezvinyorwa zvakadudzirwa naJoseph Smith zveBhuku raMormoni.

Mazwi aMormoni

Kabhuku kadiki kari muBhuku raMormoni. Pakati pemazwi ekupedzisira aAmarekai mubhuku raOmuni nemazwi ekutanga mubhuku raMosaya, Mormoni, mupepeti wezvinyorwa zvose, akapfekedzera kabhuku kadiki aka. (Tarisai “Tsananguro Pfupi yezveBhuku raMormoni” pamberi peBhuku raMormoni).

Bhuku raMormoni

Bhuku riri paro rega mukati megwaro rezvinyorwa zvitsvene zvinozivikanwa seBhuku raMormoni. Zvitsauko 1–2 zvinotaura nezvaAmaroni, muporofita wemaNifai, achiraira Mormoni kuti angawane mahwendefa rinhi uye kupi. Zvakarewo, hondo huru dzakatanga, uye MaNifai Matatu vakatorwa pamusana pekuipa kwevanhu. Zvitsauko 3–4 zvinotaura zvaMormoni achichemera rutendeuko rwevanhu: asi vakanga vapfuura pekuudzwa chinhu, uye kuipa kwakatonyanya kukura kwakanga kwava muIsraeri. Zvitsauko 5–6 zvinonyora hondo dzekupedzisira pakati pemaNifai nemaRamani. Mormoni akauraiwa pamwechete nevazhinji verudzi rwemaNifai. Muchitsauko 7, asati afa, Mormoni akadaidzira kuvanhu—nguva iyoyo neichauya—kuti vatendeuke. Zvitsauko 8–9 zvinotaura kuti kekupedzisira mwanakomana waMormoni chete, Moronai ndiye akasara. Akanyora zvekupedzisira zverufu nokuparadzwa, kusanganisa kupera kwevanhu vechiNifai, uye akanyora mazwi kuzvizvarwa zvamangwana nevaverengi vechinyorwa chino.

Dhinda