Shibhuroni
MuBhuku raMormoni, mwanakomana waAruma Mudiki. Shibhuroni akadzidzisa vhangeri kumaZoramu akatambudzirwa kururama kwake. Ishe vakamubvisa mukutambudzika kwake pamusana pekutenda kwake nokutivirira (Aru. 38). Shibhuroni akachengetawo zvinyorwa zvemaNifai kwechinguva (Aru. 63:1–2, 11–13).