Akaipa Onawo Asakarurama; Chitadzo; Hutsvina; Kushaya huMwari; Rima, zveMweya Chakaipa, kuipa; kusateerera kumirairo yaMwari. Zvino ndingaite sei huipi hukuru uhu, ndotadzira Mwari? Gen. 39:7–9. Ishe vari kure nevakaipa: asi anonzwa munamato wevakarurama, Zir. 15:29. Kana vakaipa votonga, vanhu vanochema, Zir. 29:2 (D&Z 98:9). Bvisai pakati penyu uyo munhu akaipa, â… Â VaKori. 5:13. Tinorwisana nokuipa kwemweya munzvimbo dzepamusoro, VaE. 6:12. Ibvai mune vakaipa, musabate zvinhu zvavo zvisina kuchena, Aru. 5:56–57 (D&Z 38:42). Izvi ndizvo zvekupedzisira zvavanenge vari vakaipa, Aru. 34:35 (Aru. 40:13–14). Huipi hauna kumbove rufaro, Aru. 41:10. Vakaipa vanorangwa nevakaipa, Morm. 4:5 (D&Z 63:33). Panguva iyoyo panouya kupatsanurwa kwakakwana kwevakarurama nevakaipa, D&Z 63:54. Saka ndiko kuuya kunoita kupera kwevakaipa, JS—Mat. 1:55.