Kubwinya Onawo Chiedza, Chiedza chaKristu; Chokwadi; Matanho eKubwinya Mumagwaro matsvene, kubwinya kazhinji kunoreva chiedza chaMwari nechokwadi. Zvingangoreva kurumbidza kana kukudza uye kune chimwe chinhanho cheupenyu hwokusingaperi kana kubwinya kwaMwari. Vatsvene Ishe vehondo: pasi pose pazere kubwinya kwavo, Isa. 6:3 (2 Ni. 16:3). Takasandurwa kuva mufananidzo mumwecheteyo kubva mukubwinya tichienda pane kumwe kubwinya, Ⅱ VaKori. 3:18. Achandimutsa kuti ndigare naye mukubwinya, Aru. 36:28. Kubwinya kwakatambirwa mukumuka kuvakafa kuchasiyana maererano nokururama, D&Z 76:50–119. Kubwinya kwaMwari ungwaru, D&Z 93:36. Kubwinya kwaMwari kurimukuunza kusafa neupenyu hwokusingaperi hwemunhu, Mos. 1:39. Ndakaona Vanhu vaviri, kupenya kwavo nokubwinya kwavo haku tsanangurike, Nh—JS 1:17.