Vanhu Vakapindurwa Vanhu vakapindurwa kuti vasazonzwa kurwadza kana rufu kudakara pakumuka kwavo kuvakafa kuenda mukusafa. Enoki akafamba naMwari: uye haana kuve; nokuti Mwari vakamutora, Gen. 5:24 (VaH. 11:5; D&Z 107:48–49). Hapana munhu anoziva nezveguva raMosesi kusvika nhasi, Deut. 34:5–6 (Aru. 45:19). Erija akaenda kumusoro nechamupupuri kudenga, Ⅱ Madz. 2:11. Kana dai ndikati ngaagare kudakara ndauya, zvinorevei kwauri? Joh. 21:22–23 (D&Z 7:1–3). Hauchazofa wakanzwa rufu, 3 Ni. 28:7. Kuti vasazorairwa rufu kwakave nokupindurwa kwakaiswa pamiviri yavo, 3 Ni. 28:38 (4 Ni. 1:14; Morm. 8:10–11). Johane Mudikani achararama kudakara Ishe vauya, D&Z 7. Ndatora Zioni yaEnoki muchipfuva changu pachangu, D&Z 38:4 (Mos. 7:21, 31, 69). Enoki nehama dzake iguta rakachengetedzwa kudakara zuva rekururama, D&Z 45:12. Erija akatorwa kuenda kudenga asina kumboravira rufu, D&Z 110:13. Mweya Mutsvene wakawira pane vazhinji, vakabatwa kusvika muZioni, Mos. 7:27.