Hunhu Onawo Hunhu Wakanaka; Hupombwe; Kufadza Nyama; Kusangana kusina kururama Kutsvindisa kwehunhu kwemurume nemukadzi. Josefa akaramba kukwezva nemukadzi waPotifari, Gen. 39:7–21 (D&Z 42:24; 59:6). Musazoita upombwe, Eks. 20:14. Mudzimai ane tsika ingundu yemurume wake, Zir. 12:4 (Zir. 31:10). Hamuzive here imi kuti muviri wenyu itembere yeMweya Mutsvene? â… Â VaKori. 6:18–19. Ivai muenzaniso mukutsvinda, â… Â Tim. 4:12. Hakuna chinhu chisina kuchena chingagare naMwari, 1 Ni. 10:21. Nokuti Ini, Ishe Mwari, ndinofadzwa nehunhu hwevakadzi, Jak. 2:28. Chitadzo chehupombwe chinyangadzo chakaipa zvikuru, Aru. 39:1–13. Hunhu netsika zvinhu zvinokosha pamusoro pezvinhu zvose, Moro. 9:9. Tinotenda mukuve takachena, Mis. yeCh. 1:13.