Chiedza, Chiedza chaKristu
Simba dzvene, simba, kana kurudziro inobva kuna Mwari kuburikidza nekuna Kristu uye kuchipa upenyu nechiedza kuzvinhu zvose. Ndiwo murau unotonga zvose kudenga nepasi (D&Z 88:6–13). Unobatsirawo vanhu kunzwisisa chokwadi chevhangeri nokuvayamura kuvaisa munzira yevhangeri inoenda kuruponeso (Joh. 3:19–21; 12:46; Aru. 26:15; 32:35; D&Z 93:28–29, 31–32, 40, 42).
Chiedza chaKristu hachina kufanira kutorwa seMweya Mutsvene. Chiedza chaKristu hachizi munhu. Ikudziriro inobva kuna Mwari uye chichigadzirira munhu kugashira Mweya Mutsvene. Ikudziriro yezvakanaka muupenyu hwevanhu vose (Joh. 1:9; D&Z 84:46–47).
Chimwe chiratidzo chechiedza chaKristu ipfungwa, inoyamura munhu kusarudza pakati pechakanaka nechakaipa (Moro. 7:16). Sekudzidza kunenge kuchiita vanhu zvizhinji nezvevhangeri, pfungwa dzavo dzinotanga kuve dzinodaira (Moro. 7:12–19). Vanhu vanoteerera kuchiedza chaKristu vanotungamirirwa kuvhangeri raJesu Kristu (D&Z 84:46–48).