Zvibatsiro Zvekudzidza
Rihai, Baba vaNifai


Rihai, Baba vaNifai

MuBhuku raMormoni, muporofita wechiHeberu akatungamirira mhuri yake nevateveri vake kubva kuJerusarema kuenda kunyika yechipikirwa nechekuchamhembe kuna ana 600 Kristu asati azvarwa. Rihai ndiye aive muporofita wekutanga pakati pevanhu vake muBhuku raMormoni.

Rihai akatiza Jerusarema nemhuri yake arairwa naIshe (1 Ni. 2:1–4). Aive chizvarwa chaJosefa, akatengeswa kuEgipita (1 Ni. 5:14). Ishe vakamupa chiratidzo chemuti weupenyu (1 Ni. 8:2–35). Rihai nevanakomana vake vakavaka ngarava uye vakaenda nechekumadokero (1 Ni. 17–18). Iye nezvizvarwa zvake vakave vakagara munyika itsva (1 Ni. 18:23–25). Asati afa, Rihai akaropafadza vanakomana vake uye akavadzidzisa nezvaKristu, nokuuya kweBhuku raMormoni mumazuva ekupedzisira (2 Ni. 1:1–4:12).

Bhuku raRihai

Joseph Smith akatanga nebhuku raRihai paakanga achiturikira Bhuku raMormoni. Zvaive zvinyorwa muchidimbu kubva mumahwendefa aRihai. Mushure mekunge ave nemapeji 116 ezvinyorwa zvaakanga aturikira kubva mubhuku iri, Joseph akapa zvinyorwa izvi kuna Martin Harris, uyo akanga amboshandira Joseph kwechinguva chipfupi semunyori mukuturikirwa kweBhuku raMormoni. Mapeji iwaya akabva arasika. Joseph haana kuturikira zvakare bhuku raRihai kutsiva zvinyorwa zvakanga zvarasika asi kunze kwaizvozvo akaturikira zvimwe zvakatsamirana naizvozvo kubva kumahwendefa egoridhe (tarisai misumo kuD&Z 3, 10). Izvi zvimwe zvinyorwa ndizvo zvave mabhuku ekutanga matanhatu eBhuku raMormoni.

Dhinda