Sekushandiswa kwazvinoitwa mumagwaro matsvene, mhuri inoumbwa nemurume nemukadzi, nevana, nedzimwe hama dzinenge dzichigara mumba imwecheteyo kana pasi pemukuru wemhuri. Mhuri inogona kuve mubereki mumwechete nevana, murume nemukadzi vasina vana, kana munhu ega anogara ega.
Dzidziso neZvibvumirano zvinoratidza kumira kwekusingaperi kwakaita hukama hwemuchato nemhuri. Muchato wekubwinya kweseresitiyaro nekuenderera mberi kwekubatana kwemhuri zvinoita kuti varume nevakadzi vave vamwari (D&Z 132:15–20).