Kurota Onawo Zvakazarurwa Imwe nzira Mwari yavanoratidza nayo chido chavo kuvarume nevakadzi pano pasi. Hazvizi zviroto zvose zvakazarurwa, asi. Zviroto zvakafemerwa michero yerutendo. Akarota, uye tarisai manera aisvika kudenga, Gen. 28:12. Josefa akarota chiroto, Gen. 37:5. Ishe achataura naye mukurota, Num. 12:6. Nebukadnezari akarota zviroto, Dan. 2:1–3. Harahwa dzicharota zviroto, Joere 2:28 (Mabasa 2:17). Ngirozi yaIshe yakazviratidza kwaari mukurota, Mat. 1:20 (Mat. 2:19). Rihai akanyora zvinhu zvizhinji zvaakanga aona achirota, 1 Ni. 1:16. Rihai akarota chiroto, 1 Ni. 8.