Nzira Onawo Famba, Famba naMwari; Jesu Kristu Nzira kana gwara rinotevedzwa nemunhu. Jesu akati ndiye nzira (Joh. 14:4–6). Chengetai mirairo yaIshe kuti mufambe munzira dzavo, Deut. 8:6. Dzidzisai mwana munzira yaanofanira kuenda nayo, Zir. 22:6 (2 Ni. 4:5). Ishe vakati nzira dzavo dziri pamberi kupfuura dzedu, Isa. 55:8–9. Suwo rakamanikana nenzira yakamanika iyo inoenda kuupenyu, Mat. 7:13–14 (3 Ni. 14:13–14; 27:33; D&Z 132:22, 25). Mwari vachakuitirai nzira imi kuti mupunyuke kuedzwa, â… Â VaKori. 10:13. Ishe havape murairo uyo wavasingagadzirire vana vavo nzira yekuti vauchengetedze, 1 Ni. 3:7 (1 Ni. 9:6; 17:3, 13). Hapana imwe nzira zve kunze kwepasuwo, 2 Ni. 9:41. Makasununguka kuzviitira mega—kusarudza nzira yerufu rusingaperi kana nzira yekuupenyu hwokusingaperi, 2 Ni. 10:23. Iyi ndiyo nzira hakuna zve imwe nzira kana zita, 2 Ni. 31:21 (Mosaya 3:17; Aru. 38:9; Hir. 5:9). Muchipo cheMwanakomana wavo Mwari vakagadzira nzira yakanyanya kunaka, Eta 12:11 (â… Â VaKori. 12:31). Wose munhu anofamba munzira make ega, D&Z 1:16. Zvakafanira kuitwa nenzira yangu, D&Z 104:16.