Sinai, Gomo
Gomo riri muSinai Peninsula, pedyo nepakambogara Mosesi nemaIsraeri kwemwedzi mitatu mushure mekubuda kwavo muEgipita; rinodaidzwawo kunzi Gomo reHorebi (Eks. 3:1). Pano Mwari vakapa murau wake wemba yaIsraeri kuna Mosesi; panove zvakare ndipo pakavakirwa tabernakeri (Eks. 19:2; 20:18; 24:12; 32:15).