Hungochani Onawo Hupombwe; Kufadza Nyama Kusangana kwevarume vega kana vakadzi vega. Mwari vanorambidza kusangana kwerudzi urwu. Vaunze panze kwatiri, kuti tigovaziva, Gen. 19:1–11 (Mos. 5:51–53). Musazorara nemumwe murume; chinyangadzo, Rev. 18:22 (Rev. 20:13). Hapafanire kuve nengochani yevanakomana vaIsraeri, Deut. 23:17. Vanotaura chitadzo chavo seSodoma, havachivanze, Isa. 3:9 (2 Ni. 13:9). Varume vakabhebha mukuchivana kwavo, VaR. 1:27. Vanozvikanganisa pachavo nevarume havazogara nhaka yeumambo hwaMwari, â… Â VaKori. 6:9–10. Murawo hauitirwe murume akarurama, asi ndewe avo vanozvisvibisa pachavo nevamwe varume, â… Â Tim. 1:9–10. Avo vanoenda kunyama isingazirikanwe vanoiswa parutivi semufananidzo, vachinetswa nekudzividza kwemoto wekusingaperi, Jud. 1:7.