Chiedzo Onawo Dhiabhorosi; Kuzvisarudzira; Tsungirira Kuedzwa kwemunhu kuti anogona here kusarudza zvakanaka achisiya zvakaipa; kukwezverwa kuchitadzo nokutevera Satani panzvimbo yaMwari. Musatiise mukuedzwa, asi tibvisei mune zvakaipa, Mat. 6:13 (3 Ni. 13:12). Mwari havabvumire kuti muedzwe zvamusingagone kutakura, â… Â VaKori. 10:13. Kristu akaedzwa sezvatinoitwa isu, VaH. 4:14–15. Akaropafadzwa uyo munhu anotsungirira mukuedzwa, Jkb. 1:12–14. Zviedzo zvemuvengi hazvingakunde avo vanoteerera kushoko raMwari, 1 Ni. 15:24 (Hir. 5:12). Munhu haangangoita ega kunze kwekunge akwezvwa nechichi kana nechocho, 2 Ni. 2:11–16. Rindai muchinamata nguva dzose, kuti musaedzwe kupfuura zvamungakwanise kutakura, Aru. 13:28. Vadzidzisei kukunda chose chiedzo chadhiabhorosi, nerutendo rwavo munaIshe Jesu Kristu, Aru. 37:33. Namatai nguva dzose kuti musaerekane mapinda mukuedzwa, 3 Ni. 18:15, 18 (D&Z 20:33; 31:12; 61:39). Chenjererai kudada, kuti musaerekane mapinda muchiedzo, D&Z 23:1. Adama akaenda pasi pekuda kwadhiabhorosi nokuti akabvuma chiedzo, D&Z 29:39–40. Ndakasiiwa muzviedzo zvose zvakasiyana-siyana, Nh—JS 1:28.