Ruremekedzo Onawo Kutya; Rukudzo Kukudza kwakadzama kwezvinhu zvinoyera; chishamiso. Ishe vakaudza Mosesi kuti abvise shangu dzake, nokuti akanga akamira panzvimbo tsvene, Eks. 3:4–5. Mwari vakafanira kutyiwa nokubatwa mukuremekedzwa, Mpi. 89:7. Shandirai Mwari zvinodiwa nokuremekedza nokutya kune umwari, VaH. 12:28. Moronai akazvikotamisa pasi akanamata nesimba, Aru. 46:13. Mhomho yakawira pasi ikanamata Kristu, 3 Ni. 11:12–19. Kotamai pamberi pangu, D&Z 5:24. Zvose zvinhu zvinokotama mukuzvininipisa kweruremekedzo pamberi pechigaro chekutonga chaMwari, D&Z 76:93. Pfungwa dzenyu dzasvibiswa nokuti makabata zinyeke-nyeke zvinhu zvamakatambira, D&Z 84:54–57. Rose ibvi richagonya nerurimi rwose rwuchareurura, D&Z 88:104. Pamusana pekukudza kana kuremekedza zita raiye Munhu Mukuru-kuru, chechi yakadaidza hupirisita ihwohwo mushure maMerkizedeki, D&Z 107:4. Maropafadzo anodirwa pane avo vanoremekedza Ishe mumba mavo, D&Z 109:21.