Akapfava Onawo Akazvininipisa; Mwoyo Murefu; Mwoyo Wakatyoka Anotya Mwari, akarurama, akazvininipisa, anodzidzisika, uye ane mwoyo murefu mukutambudzika. Vakapfavanyoro vanoda kuteedza dzidziso dzevhangeri. Mosesi aive akapfava zvikuru, Num. 12:3. Vakapfava vachagara nhaka yepasi, Mpi. 37:11 (Mat. 5:5; 3 Ni. 12:5; D&Z 88:17). Tsvagai imi Ishe, mose vakapfava; tsvagai kururama, tsvagai kupfava, Zef. 2:3 (â… Â Tim. 6:11). Dzidzai nezvangu nokuti ndakapfava uye ndakazvirereka mumwoyo, Mat. 11:29. Kupfava muchero weMweya, VaG. 5:22–23. Muranda waIshe akafanira kuve akanyorova, anodzidzisika, ane mwoyo murefu, mukupfava achidzidzisa avo vanoshora, â…¡Â Tim. 2:24–25. Mwoyo wakapfava uye wakanyarara une mutengo mukuru mumaziso aMwari, â… Â Pet. 3:4. Bvisai munhu wenyama uye muve vakapfava, Mosaya 3:19 (Aru. 13:27–28). Mwari akaraira Hiramani kuti adzidzise vanhu kuti vave vakapfava, Aru. 37:33. Nyasha dzaIshe dzakakwana kunevakapfava, Eta 12:26. Mune rutendo muna Kristu pamusana pekupfava kwenyu, Moro. 7:39. Hakuna anotambirwa pamberi paMwari kunze kwevakapfava uye vakarereka mumwoyo, Moro. 7:44. Kuregererwa kwezvitema kunounza kupfava, uye pamusana pekupfava kunouya nokushanyirwa neMweya Mutsvene, Moro. 8:26. Fambai muri mukupfava kweMweya wangu, D&Z 19:23. Tongai imba yenyu mukupfava, D&Z 31:9. Simba nezvinoitwa nehupirisita zvinogona kuchengetedzwa nekunyorova nekupfava, D&Z 121:41.