Chitadzo Chisingaregererwe Onawo Kuponda; Kutaura zvisinakanaka; Mweya Mutsvene; Vanakomana veKuraswa Chitadzo chekuramba Mweya Mutsvene, chitadzo chisingagone kuregererwa. Kutuka Mweya Mutsvene hakuzoregererwa kumunhu, Mat. 12:31–32 (Marko 3:29; Ruka 12:10). Zvakaoma kune avo vakaitwa vatori veMweya Mutsvene kuti vavandudzwe zvakare patsva mukutendeuka, VaH. 6:4–6. Kana tikatadza maune mushure mekunge tagashira ruzivo rwechokwadi, hakuzosara kana chimwechete chemupiro wechivi, VaH. 10:26. Kana mukaramba Mweya Mutsvene uye mukaziva kuti muri kuuramba, ichi chitema chisingaregererwe, Aru. 39:5–6 (Jak. 7:19). Havana ruregerero, varamba Mumwechete Akaberekwa Mwanakomana, vamurovera pachavo, D&Z 76:30–35. Kutuka Mweya Mutsvene hakuchazoregererwa, kunove kudeura ropa risina mhosva mushure mekunge magashira chibvumirano changu chitsva uye chisingaperi, D&Z 132:26–27.