Zvibatsiro Zvekudzidza
Mweya (Mweya neMuviri)


Mweya (Mweya neMuviri)

Magwaro matsvene anotaura nezvemweya nenzira nhatu: (1) vanhu vemweya, muupenyu hwakateerwa nehuno, neupenyu huchatevera huno (Aru. 40:11–14; Abr. 3:23); (2) mweya nemuviri zvabatanidzwa muupenyu huno (Abr. 5:7); uye (3) asingachafe, munhu amutswa kuvakafa uyo aitwa kuti mweya nemuviri wake ubatanidzwe zvisingapatsanurike (Aru. 40:23; D&Z 88:15–16).

Kukosha kwemweya

Vose vanhu vana vemweya vaMwari. Ane hany’a nemumwe nemumwe wevana vake uye anotarisa mumwe nemumwe seakakosha. Pamusana pekuti vana vake, vanokwanisa kuve saiye. Saka, vakakosha zvikuru.

Dhinda