Akadaidzwa naMwari Onawo Akasarudza, Akasarudzwa; Gadza; Mutariri; Mvumo Kudaidzwa naMwari kugashira chigaro kana kukokwa kubva kwaari kana vatungamiri veChechi vanemvumo yekushandira mune imwenzira. Akagadza maoko ake paari uye akamupa basa, Num. 27:23. Ndakakugadza huporofita, Jer. 1:5. Ndakakusarudza ndikakugadza, Joh. 15:16. Pauro akadaidzwa kuti ave Muapositori, VaR. 1:1. Hakuna munhu anozvitorera rukudzo urwu, asi uyo anodaidzwa naMwari, VaH. 5:4. Jesu akadaidzwa naMwari mutsika yaMerkizedeki, VaH. 5:10. Ndakadaidzwa kuzoparidza shoko raMwari maererano nemweya wezvakazarurwa nechiporofita, Aru. 8:24. Vapirisita vaidaidzwa vachigadzirirwa kubvira pakutanga kwenyika, Aru. 13:3. Kana muine chido chekushandira Mwari, makadaidzwa, D&Z 4:3. Mirai makasimba mubasa randakudaidzirai, D&Z 9:14. Hamufanire kufunga kuti makadaidzwa kuti muparidze dakara madaidzwa, D&Z 11:15. Magosa anodaidzwa kuti aunze kuitika kwekuunganidzwa kwevakasarudzwa, D&Z 29:7. Hakuna achaparidza vhangeri rangu kana kuvaka Chechi yangu kunze kwekunge agadzwa, D&Z 42:11. Kune vazhinji vakadaidzwa, asi vashoma vakasarudzwa, D&Z 121:34. Munhu akafanira kudaidzwa naMwari, Mis. yeCh. 1:5.