Ruyamuro Onawo Kupa zvipo; Kutsanya; Mupiro; Murombo; Rubatsiro Nzira kana tsika yekubatsira nayo zvinetswa zvevanhu mumweya nemunyama. Vhurai maoko enyu kwazvo kuhama yenyu, kuvarombo venyu, nekune vanoshaya vemunyika yenyu, Deut. 15:11. Uyo anopa kuvarombo haashaye, Zir. 28:27. Uko hakuziko here kutsanya kwandasarudza? Kupa chingwa chenyu kune vane nzara, kuunza varombo mumba menyu, Isa. 58:6–7. Ndakanga ndiine nzara ukandipa nyama; ndaive mweni ukanditora mukati. Kana mukazviita kune anoshoreka weava hama dzangu, mazviita kwandiri, Mat. 25:35–40. Ipai zvinhu zvenyu kune uyo amire mukushaya, Mosaya 4:16–26. Vakapa kune mumwe nomumwe munyama nemumweya maererano nokushaya nezvavanoda, Mosaya 18:29. Vakaunzwa kuti vabatane mukutsanya nekunamata kuitira kuyamura avo vakanga vasingazive Mwari, Aru. 6:6. Namatirai ruyamuro rwenyu neruyamuro rweavo vakakukomberedzai, Aru. 34:27–28. Vakanga vaine zvinhu zvose pamwechete pakati pavo, 4 Ni. 1:3. Rangarirai varombo, D&Z 42:30–31. Shanyirai varombo nevanoshaya, D&Z 44:6. Rangarirai muzvinhu zvose varombo nevanoshaya, D&Z 52:40. Nhamo iwe mupfumi usingape zvinhu zvako kuvarombo, nhamo kwauri iwe murombo usingagutswe, une makaro asi usingadi kushanda, D&Z 56:16–17. MuZioni makange musina varombo pakati pavo, Mos. 7:18.