Daira Onawo Jesu Kristu; Kusadaira; Rutendo; Vimba Kuve nerutendo mune mumwe kana kubvuma chimwe chinhu kuti ichokwadi. Munhu akafanira kutendeuka uye agodaira muna Jesu Kristu kuti aponeswe muumambo hwaMwari (D&Z 20:29). Daira muna Ishe Mwari wako; daira vaporofita vake, â…¡Â Mak. 20:20. Danieri haana kukuvadzwa mubako reshumba nokuti aidaira muna Mwari, Dan. 6:23. Sezvo wadaira, saka ngazviitwe kwauri, Mat. 8:13. Chose zvacho chamuchakumbira mumunamato, muchidaira, muchachigamuchira, Mat. 21:22. Musatya, dairai chete, Marko 5:36. Zvose zvinhu zvino kwanisika kune uyo anodaira, Marko 9:23–24. Uyo anodaira akabhabhatidzwa achaponeswa, Marko 16:16 (2 Ni. 2:9; 3 Ni. 11:33–35). Uyo anodaira muMwanakomana ane upenyu husingapere, Joh. 3:16, 18, 36 (Joh. 5:24; D&Z 10:50). Tinodaira tine chokwadi chekuti ndiye Kristu, Joh. 6:69. Uyo anodaira mandiri, kana dai akafa, iye achararama, Joh. 11:25–26. Isu takadaira tinopinda pazororo, VaH. 4:3. Dairai muna Jesu Kristu, mudanane, â… Â Joh. 3:23. Mesia haana mumwechete waanoparadza pane vanodaira maari, 2 Ni. 6:14. VaJuda vachanetswa kudakara vadaira muna Kristu, 2 Ni. 25:16. Kana muchidaira zvinhu izvi, onai kuti mazviita, Mosaya 4:10. Mwanakomana anotora paari zvitadzo zveavo vose vanotenda muzita rake, Aru. 11:40. Akaropafadzwa uyo anodaira mushoko raMwari asina kumanikidzwa, Aru. 32:16. Kana muchikwanisa kungova nechido chete chekudaira, regai chido ichi chishande mamuri, Aru. 32:27. Kana muchidaira muzita raKristu, muchatendeuka, Hir. 14:13. Avo vanodaira muna Kristu vanodaira muna Babawo, 3 Ni. 11:35. Hakuna munhu akambodaira muna Ishe sezvaiita munun’una waJaredhi, Eta 3:15. Chose chinokwezvera mukudaira muna Kristu chinotumwa nesimba raKristu, Moro. 7:16–17. Avo vanodaira mumazwi aIshe vanopiwa chiratidzo cheMweya, D&Z 5:16. Avo vanodaira muzita raIshe vachave vanakomana vaMwari, D&Z 11:30 (Joh. 1:12). Kune vamwe kunopiwa kudaira kumazwi evamwe, D&Z 46:14. Zviratidzo zvinotevera avo vanodaira, D&Z 58:64 (D&Z 63:7–12). Avo vanodaira, vakatendeuka, vobhabhatidzwa vachatambira Mweya Mutsvene, Mos. 6:52.