Zvemunyika Onawo Chisina Maturo; Kudada; Mari; Upfumi Zvido zvisinakururama nekuedza kutsvaka upfumi hwenyama nezvenyika uku muchisiya zvinhu zvemweya. Ko munhu achawaneiko kana akawana nyika yose achirasikirwa nemweya wake? Mat. 16:26. Vakaisa mwoyo yavo pazvinhu zvisina maturo zvenyika, Aru. 4:8 (Aru. 31:27). Isai parutivi zvinhu zvenyika ino, D&Z 25:10. Mwoyo yevanhu yakatarisira zvikuru pazvinhu zvepano pasi, D&Z 121:35.