Nzeve Onawo Anoteerera; Teerera Mumagwaro matsvene, nzeve kazhinji inoshandiswa serupawo rwekukwanisa kwemunhu kunzwa nokunzwisisa zvinhu zvaMwari. Vane nzeve, asi havanzwe, Mpi. 115:6. Ishe vanomutsa nzeve yangu kuti inzwe, Isa. 50:4–5 (2 Ni. 7:4–5). Uyo ane nzeve dzekunzwa, ngaanzwe, Mat. 11:15. Nzeve dzavo hadzinyatsonzwa, Mat. 13:15 (Mos. 6:27). Ziso harina kuona kana nzeve haina kunzwa zvinhu izvo Mwari vakagadzirira avo vanovada, â… Â VaKori. 2:9 (D&Z 76:10). Dhiabhorosi anozevezera munzeve dzavo, 2 Ni. 28:22. Vhurai nzeve dzenyu kuti munzwe, Mosaya 2:9 (3 Ni. 11:5). Ndakashevedzwa nguva zhinji, uye ndakange ndisinganzwe, Aru. 10:6. Ipai nzeve kumazwi angu, Aru. 36:1 (Aru. 38:1; D&Z 58:1). Hakuna nzeve ichatadza kunzwa, D&Z 1:2. Nzeve dzinozururwa kuburikidza nokuzvirereka nokunamata, D&Z 136:32.