Zvibatsiro Zvekudzidza
Samueri, Muporofita wemuTestamente yaKare


Samueri, Muporofita wemuTestamente yaKare

Mwanakomana waErikana naHana, Samueri akaberekwa semhinduro yeminamato yaamai vake (Ⅰ Sam. 1). Semwana mudiki akaiswa mukuchengetwa naEri, mupirisita wepamusoro patabernakeri paShiro (Ⅰ Sam. 2:11; 3:1). Ishe vakadaidza Samueri achiri mudiki kuti ave muporofita (Ⅰ Sam. 3). Mushure mekufa kwaEri, Samueri akave muporofita mukuru nemutongi waIsraeri akadzorera pakare mutemo, kurongeka nekugara kuchinamatwa nguva dzose munyika (Ⅰ Sam. 4:15–18; 7:3–17).

Ⅰ Samueri 28:5–20 ine nyaya yaSamueri achiunzwa kubva kuvakafa nemuroi weEndori sechikumbiro chaMambo Sauro. Izvi hazvingave chiratidzo kubva kunaMwari, nokuti muroi kana rimwe svikiro harigone kuita kuti muporofita aonekwe nekukumbira kwake (Ⅰ Sam. 28:20; 31:1–4).

Mabhuku aSamueri Ⅰ neⅡ

Mune mamwe mabhaibheri, mabhuku a–I neⅡ Samueri ibhuku rimwechete. Mune mamwe mabhuku maviri. Mabhuku aya anotora nguva inokwana makore zana nemakumi matatu kubvira pakuberekwa kwaSamueri kusvika nguva pfupi Mambo Davidi asati afa.

Bhuku raSamueri Ⅰ

Zvitsauko 1–4 zvinotsanangura kuti Ishe vakatuka uye vakaranga mhuri yaEri vakadaidza Samueri semupirisita wepamusoro nemutongi. Zvitsauko 4–6 zvinotaura nezvekuti areka yechibvumirano yakawira sei mumaoko emaFiristia. Zvitsauko 7–8 zvine yambiro dzaSamueri nezvekuve nevamwari venhema namambo akaipa. Zvitsauko 9–15 zvinotsanangura kugadzwa kwaSauro nekutonga kwake samambo. Zvitsauko 16–31 zvinotaura nhoroondo yaDavidi nekuwana kwake simba—Samueri akazodza Davidi uyo akanga auraya Goriati. Sauro aivenga Davidi, asi Davidi akaramba kuuraya Sauro kana dai aive nemukana wekuzviita.

Bhuku raSamueri Ⅱ

Bhuku iri rine zvakadzama zvekutonga kwaDavidi samambo waJuda uye pekupedzisira seweIsraeri yose. Zvitsauko 1–4 zvinoratidza dambudziko rakatora nguva huru pakati pevateveri vaDavidi, mushure mekunge agadzwa naJuda, nevateveri vaSauro. Zvitsauko 5–10 zvinoratidza Davidi achive nesimba guru munyika dzakawanda. Zvitsauko 11–21 zvinoratidza kuderera kwesimba remweya raDavidi pamusana pezvitema zvake nokupanduka mukati memhuri yake. Zvitsauko 22–24 zvinotsanangura kuedza kwaDavidi kuti ayanane naIshe.

Dhinda