Kunamata Onawo Mwari, Musoro hwehuMwari Rudo, kuremekedza, kushandira, nekuzvipira kuna Mwari (D&Z 20:19). Kunamata kunosanganisawo miteuro, kutsanya, kushandira chechi, kuita mabasa ezvisungo zvevhangeri, nemamwe mabasa anoratidza kuzvipira nerudo rwaMwari. Hamuchazove navamwe vamwari pamberi pangu, Eks. 20:3 (Eks. 32:1–8, 19–35; Mpi. 81:9). Namatai Baba mumweya nemuchokwadi, Joh. 4:23. Munamatei akaita denga nepasi, Zvaka. 14:7 (D&Z 133:38–39). Munamatei nesimba renyu rose, pfungwa, negwinyiso, 2 Ni. 25:29. Vaidaira muna Kristu uye vakanamata Baba muzita rake, Jak. 4:5. Zenosi akadzidzisa kuti vanhu vakafanira kunamata nekurumbidza munzvimbo dzose, Aru. 33:3–11. Namatai Mwari, panzvimbo ipi yamuri, mumweya nemuchokwadi, Aru. 34:38. Vanhu vakapunzikira pasi mumakumbo aJesu uye vakamunamata, 3 Ni. 11:17. Vose vanhu vakafanira kutendeuka, votenda muna Jesu Kristu, vonamata Baba nemuzita rake, D&Z 20:29. Ndinokupai nhaurwa idzi kuti munzwisise uye mugoziva kunamata, mugoziva zvamurikunamata, D&Z 93:19. Uyu Mwari mumwechete vega ndivo vandichanamata, Mos. 1:12–20. Tinekodzero yekunamata Mwari Samasimba, Mis. yeCh. 1:11.