Kusikwa muMweya Onawo Kusika; Munhu Ishe vakasika zvose mumweya vasati vazvisika munyama (Mos. 3:5). Ishe vakaita yose miti isati yave muvhu, Gen. 2:4–6 (Abr. 5:5). Nesimba reMweya wangu ndakasika zvose zvinhu—kutanga mumweya, kechipiri munyama, D&Z 29:31–32. Chose chiri panyama chiri mumufananidzo weicho chiri chemweya, D&Z 77:2. Ndaita nyika nevanhu vasati vave munyama, Mos. 6:51.