Ishmaeri, Mwanakomana waAbrahama Onawo Abrahama; Hagari MuTestamente yaKare, mwanakomana waAbrahama naHagari, mushandi wechi Egipita waSara (Gen. 16:11–16). Ishe vakavimbisa vose Abrahama naHagari kuti Ishmaeri achazove baba werudzi rwukuru (Gen. 21:8–21). Chibvumirano chakauya nekunaIsaka panekuti chiuye nekuna Ishmaeri, Gen. 17:19–21 (VaG. 4:22–5:1). Mwari vakaropafadza Ishmaeri kuti ave nemichero, Gen. 17:20. Ishmaeri akayamura kuviga Abrahama, Gen. 25:8–9. Vana va Ishmaeri gumi nevaviri vakadomwa, Gen. 25:12–16. Ishmaeri akafa, Gen. 25:17–18. Esau akatora mwanasikana waIshmaeri, Maharati, kuti ave mukadzi wake, Gen. 28:9.