Kuranga Onawo Matambudziko Kutsiura kana kuranga kunopiwa kumunhu kana zvikwata kuti vayamurwe kuita zviri nani kana kuti vawedzere kusimba. Musashore ruoko rwekuranga rwaSamasimba, Jobo 5:17 (Zir. 3:11). Akaropafadzwa munhu uyo amunoranga, Ishe, Mpi. 94:12. Ose magwaro matsvene anopirwa kutsiura, kugadziridza, Ⅱ Tim. 3:16. Ishe vanoranga avo vavanoda, VaH. 12:5–11. Ishe vanoona zvakafanira kuranga vanhu vavo, Mosaya 23:21–22. Kunze kwekunge Ishe aranga vanhu vavo, havangazomurangarira, Hir. 12:3. Ishe vakataura nemunin’ina vaJaredhi, vakamuranga, Eta 2:14. Vakarangwa kuti vatendeuke, D&Z 1:27. Vandinoda ndinovarangawo kuti zvitadzo zvavo zvigoregererwa, D&Z 95:1. Avo vose vasingashingirire kurangwa havangacheneswe, D&Z 101:2–5. Vanhu vangu vanofanira kurangwa kudakara vadzidza kuteerera, D&Z 105:6. Uyo asingagone kutakura kurangwa haakodzere umambo hwangu, D&Z 136:31.