Mijenya Nzira yokusarudza nayo kana kubvisa zvinodiwa pakusarudza, zvinowanzoitwa nokusarudza kapepa kamwechete kana katsotso kemuti kubva kune zvakawanda. Izvi zvinonzi kukanda mijenya. Vakaparura nguwo dzake, vachikanda mijenya, Mat. 27:35 (Mpi. 22:18; Marko 15:24; Ruka 23:34; Joh. 19:24). Vakapa mijenya yavo, uye mijenya ikawira pana Matia, Mabasa 1:23–26. Takakanda mijenya—kuti ndiani wedu achaenda mumba maRabhani, 1 Ni. 3:11.