Teerera Onawo Anoteerera; Nzeve Kunzwa nokuteerera shoko kana kudzidzisa kwaIshe. Ishe vachamutsa muporofita akaita saiye, uye imi muchateerera kwaari, Deut. 18:15. Kuteerera kwakanaka kupfuura mafuta ehondohwe dzemupiro, â… Â Sam. 15:20–23. Hatina kuteerera kuvaranda vaIshe, vaporofita, Dan. 9:6. Vakarurama avo vanoteerera kumazwi emaporofita havazofi, 2 Ni. 26:8. Kana mukasa teerera kuzwi remufudzi akanaka, hamuzi hwai dzake, Aru. 5:38 (Hir. 7:18). Teererai imi vanhu veChechi yangu, D&Z 1:1. Avo vanoteerera kuzwi reMweya vane rujeko uye vanouya kuna Baba, D&Z 84:46–47. Vainonoka kuteerera kuna Ishe; saka, Iye anononoka kuteerera kuminamato yavo, D&Z 101:7–9. Avo vasingateerere kumirairo vanorangwa, D&Z 103:4 (Mos. 4:4).