Hunhapwa Onawo Kusununguka Kuve muusungwa hwenyama kana mweya. Imba yaIsraeri yakaenda muutapwa pamusana pekuipa kwavo, Ezk. 39:23. Uyo anotungamirira kuutapwa achaenda muutapwa, Zvaka. 13:10. Vakaipa vachaunzwa vodzikiswa muutapwa hwadhiabhorosi, 1 Ni. 14:4, 7. Vanhu vakasununguka kusarudza rusununguko neupenyu hwokusingaperi kana utapwa nerufu, 2 Ni. 2:27. Kuda kwenyama kunopa mweya wadhiabhorosi simba rokutapa, 2 Ni. 2:29. Makachengetedza zvakakwana here muchirangariro kutapwa kwemadzibaba enyu? Aru. 5:5–6. Avo vanoomesa mwoyo yavo vanotorwa muutapwa nadhiabhorosi, Aru. 12:11. Garirai munamate nguva dzose, nokuti mungangoedzwa nadhiabhorosi, mukatungamirirwa muri nhapwa naiye, 3 Ni. 18:15.