Hiramani, Mwanakomana waAruma Onawo Aruma, Mwanakomana waAruma; Hiramani, Vanakomana va; VaAndi-Nifai-Rihai MuBhuku raMormoni, mwanakomana mukuru waAruma, mwanakomana waAruma (Aru. 31:7). Hiramani aive muporofita uye ari mutungamiri wemauto. Aruma akapa mwanakomana wake Hiramani zvinyorwa zvevanhu vake nemahwendefa ema Jaredhi, Aru. 37:1–2, 21. Aruma akaraira Hiramani kuti arambe achinyora nhoroondo yevanhu vake, Aru. 45–62. Hiramani akamisa Chechi zvakare, Aru. 45:22–23. Zviuru zviviri zvemauto emaAmoni vadiki vakada kuti Hiramani ave mutungamiri wavo, Aru. 53:19, 22. Hiramani nemajaya ake emaAmoni akarwisa maRamani uye vakachengetedzwa nerutendo, Aru. 57:19–27.