Zvibatsiro Zvekudzidza
Juda


Juda

MuTestamente yaKare mwanakomana wechina waJakobo naRea (Gen. 29:35; 37:26–27; 43:3, 8; 44:16; 49:8). Jakobo akaropafadza Juda kuti ave mutungamiri kubva pachizvarirwo pakati pevanakomana vaJakobo nokutiwo Shiro (Jesu Kristu) azove chizukuru chake (Gen. 49:10).

Rudzi rwaJuda

Rudzi rwaJuda rwakatora hutungamiri mushure mekugara kuKanani. Vavaikwikwidzana navo zvikuru rudzi rwaEfraimi. Mosesi akaropafadza rudzi rwaJuda (Deut. 33:7). Mushure mekutonga kwaSoromoni, rudzi rwaJuda rwakave umambo hwaJuda.

Umambo hwaJuda

Mukotonga kwaRehoboami nzvimbo dzehutongi hwaSoromoni dzakapatsanurwa munzvimbo mbiri, zvikuru pamusana peshanje dzaiva pakati pemarudzi aEfraimi neaJuda. Umambo hwekumaodzanyemba, kana kuti umambo hwaJuda, hwaisanganisa rudzi rwaJuda nechikamu chikuru chaBenjamini. Jerusarema ndiro raiva guta ravo guru. Munzira zhinji yakasara yakatendeka mukunamata Jehova pane zvaiita umambo hwekuchamhembe. Kurwiswa kwaJuda kwaive kushoma kubva kuchamhembe nekumabvazuva, uye simba guru rakasara riri mumaoko emhuri yaDavidi kudakara nguva yehusungwa hweBabironi. Umambo hwaJuda hwakakwanisa kugara kwezana remakore rine makumi matatu ane makore mashanhu mushure mekuparara kweumambo hwaIsraeri hwaive nevanhu vakawanda nesimba guru.

Rukuni rwaJuda

Izvi zvinoreva kuBhaibheri sezvinyorwa zvemba yaJuda (Ezk. 37:15–19). Mumazuva ekupedzisira, kana mapazi akasiyana siyana emba yaIsraeri aunganidzwa, zvinyorwa zvavo zvinoera zvichaunganidzwawo pamwechete. Zvinyorwa zvemagwaro matsvene izvi zvinotsinhirana zvichiita uchapupu hwakabatana hwekuti Jesu ndiye Kristu, Mwari vaIsraeri naMwari vepasi pose (2 Ni. 3; 29; DJS, Gen. 50:24–36).

Dhinda